Psalms 98

Pisarema.

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;
ruoko rwake rworudyi nechanza chake
chitsvene zvakamukundisa.
2Jehovha akazivisa ruponeso rwake
uye akaratidza kururama kwake kundudzi,
3Akarangarira rudo rwake
nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;
migumo yose yenyika yakaona
ruponeso rwaMwari wedu.

4Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,
imbai nziyo mupembere nomufaro;
5imbirai Jehovha nembira,
nembira nenzwi rokuimba,
6nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,
danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

7Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,
nenyika, navose vanogaramo.
8Nzizi ngadziuchire maoko adzo,
makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;
9ngaaimbe pamberi paJehovha,
nokuti anouya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika zvakarurama
navanhu nokururamisira.
Copyright information for SnaBDSC